MAPISAREMA109sna_bib
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
1Haiwa Mwari, imi wandinorumbidza,regai kunyarara,2nokuti vanhu vakaipa vanonyengera vakandishamira miromo yavo;vakataura nhema pamusoro pangu nendimi dzavo.3Vakandikomba namashoko okuvenga;vanorwa neni pasina mhosva.4Pachinzvimbo choushamwari hwangu navo, vanondipa mhosva,asi ini ndiri munhu wokunyengetera.5Vanonditsivira zvakaipa pane zvakanaka,uye vanondivengera ushamwari hwangu.6Tumai munhu akaipa kuti apikisane naye;mupomeri ngaamire kuruoko rwake rworudyi.7Paanotongwa, ngaawanikwe ane mhosva,uye minyengetero yake ngaimupe mhaka.8Mazuva ake ngaave mashoma;mumwe ngaatore nzvimbo youkuru hwake.9Vana vake ngavave nherera,uye mukadzi wake ave chirikadzi.10Vana vake ngavave vapemhi vanodzungaira;ngavadzingwe vabve mumatongo emisha yavo.11Waakakwereta ngaatore zvose zvaanazvo;vatorwa ngavapambe zvose zvaakashandira.12Ngakurege kuva neanomunzwira ngonikana kunzwira tsitsi nherera dzake.13Zvizvarwa zvake ngazvirove,mazita avo adzimwe parudzi runotevera.14Mhosva yamadzibaba ake ngairangarirwe pamberi paJehovha;chivi chamai vake ngachirege kumbodzimwa.15Zvivi zvavo ngazvirambe zviri pamberi paJehovha,kuti aparadze chirangaridzo chavo panyika.16Nokuti haana kumbofunga kuita zvakanaka,asi akavhima varombo kusvika parufu,vanoshayiwa navane mwoyo yakaputsika.17Aifarira kutaura chituko, ngachichiuya pamusoro pake;iye asina kufadzwa nokuropafadza, ngakuve kure naye.18Aifuka kutuka senguo yake;zvakapinda mumuviri wake semvura,nomumapfupa ake samafuta.19Ngazvive sejasi rakamonerwa paari,sebhanhire rakasungirirwa paari nokusingaperi.20Uyu ngauve muripo waJehovha kuvapomeri vangu,kuna avo vanotaura zvakaipa pamusoro pangu.21Asi imi, Ishe Jehovha,ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu;ndirwirei, kubudikidza nokunaka kworudo rwenyu.22Nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa,uye mwoyo wangu wakuvara mukati mangu.23Ndinopera somumvuri wamadekwana;ndinozunzwa semhashu.24Mabvi angu apera simba nokutsanya;muviri wangu waonda uye ndaonda kwazvo.25Ndiri chinhu chinosekwa navapomeri vangu;pavanondiona, vanodzungudza misoro yavo.26Ndibatsirei, imi Jehovha Mwari wangu;ndiponesei zvakafanira rudo rwenyu.27Ngavazive kuti ndirwo ruoko rwenyu,kuti imi, iyemi Jehovha, makazviita.28Ivo vangatuka havo, asi imi mucharopafadza;vachanyadziswa pavanorwisa,asi muranda wenyu achafara.29Vapomeri vangu vachafukidzwa nenyadzi,uye vachaputirwa nokunyara sokunge nejasi.30Ndicharumbidza Jehovha nomuromo wangu zvikuru;paungano huru, ndichamurumbidza.31Nokuti anomira kuruoko rworudyi rwouyo anoshayiwa,kuti amuponese pane avo vanomupomera mhosva.