MAPISAREMA100sna_bib
Pisarema rokuvonga.
1Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose.2Shumirai Jehovha nomufaro;uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro.3Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari.Ndiye akatisika, uye tiri vake;tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.4Pindai pamasuo ake nokuvonganomuvanze dzake nokurumbidza;chimuvongai uye murumbidze zita rake.5Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi;kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose.