MAPISAREMA10sna_bib
1Munomirireiko kure, imi Jehovha?Munozvivanzireiko panguva yokutambudzika?2Pakuzvikudza kwake munhu akaipa anovhima vasina simba,vanobatwa namano okufunga kwake.3Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake;anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha.4Pakuzvikudza kwake akaipa haamutsvaki;mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari.5Nzira dzake dzinobudirira nguva dzose;anozvikudza uye mirayiro yenyu iri kure naye;anodadira vavengi vake vose.6Anoti pakufunga kwake, “Hakuna chichandizungunusa;ndichagara ndakafara uye handingatongotambudziki.”7Muromo wake uzere nokutuka, kureva nhema, uye nokutyisidzira;matambudziko nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.8Anovandira ari pedyo nemisha;pakuvandira uku anouraya vasina mhosva,ari panzvimbo yakavanzika anotarira vaachaparadza.9Anovandira seshumba iri panzvimbo yayo;anovandira kuti abate vasina anovabatsira;anobata vasina anobatsira uye anovakweva achienda navo mumumbure wake.10Vabatwa vake anovapwanya, vanowa;vanowira pasi pesimba rake.11Anoti mumwoyo make, “Mwari akanganwa;akafukidza chiso chake uye haazoonizve.”12Simukai, imi Jehovha! Simudzai ruoko rwenyu, imi Mwari.Regai kukanganwa vanomanikidzwa.13Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari?Seiko achiti mumwoyo make,“Haazondibvunzi?”14Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa;munokutarisisa kuti mukupedze.Asina simba anozviisa kwamuri;muri mubatsiri wenherera.15Vhunai ruoko rweakaipa nerwomunhu akaipa;ngaazvidavirire pazvakaipa zvakezvakanga zvisingazoonekwi.16Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri;ndudzi dzichaparara munyika yake.17Munonzwa henyu, imi Jehovha, zvishuvo zvavanotambura;munovakurudzira, uye munoteerera kuchema kwavo,18muchiruramisira nherera nevakamanikidzwa,kuti munhu wenyika, arege kuramba achingovhundutsa.