Nehemia12sna_bib
Vaprista navaRevhi
1Zvino ava ndivo vaprista navaRevhi vakadzokera naZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri naJeshua:Seraya, Jeremia, naEzira,2Amaria, Maruki, Hatushi,3Shekania, Rehumi, Meremoti,4Idho, Ginetoni, Abhija,5Mijamini Moadhia, Bhiriga,6Shemia, Joirabhi, naJedhaya.7Saru, Amoki, Hirikia naJedhaya.
Ava ndivo vaiva vatungamiri vavaprista pamwe chete nehama dzavo pamazuva aJeshua.8VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhinui, Kadhimieri, Sherebhia, Judha, uyewo naMatania pamwe chete nehama dzake, aiva mukuru wenziyo dzokuvonga.9Bhakibhukia naUni, nehama dzavo, vakamira vakatarisana navo mushumiro.10Jeshua aiva baba vaJoyakimu, Joyakimu aiva baba vaEriashibhi, Eriashibhi ari baba vaJoyadha,11Joyadha baba vaJonatani, uye Jonatani baba vaJadhua.12Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaprista, pamazuva aJoyakimu:
wokwaSeraya, aiva Meraya; wokwaJeremia, aiva Hanania;13wokwaEzira, aiva Meshurami; wokwaAmaria, aiva Jehohanani;14wokwaMaruki, aiva Jonatani; wokwaShekania, aiva Josefa;15wokwaHarimu, aiva Adhina; wokwaMeremoti, aiva Herikai;16wokwaIdho, aiva Zekaria; wokwaGinetoni aiva Meshurami;17wokwaAbhija, aiva Zikiri; wokwaMiniamini, newokwaMoadhia, aiva Piritai;18wokwaBhiriga aiva Shamia; wokwaShemaya aiva Jehonatani;19wokwaJoyaribhi aiva Matenai; wokwaJedhaya, aiva Uzi;20wokwaSaru, aiva Karai; wokwaAmoki, aiva Ebheri;21wokwaHirikia, aiva Hashabhia; wokwaJedhaya, aiva Netaneri.22Vakuru vedzimba dzavaRevhi mumazuva aEriashibhi, Joyadha, Johanani naJadhua, pamwe chete neavo vaiva vevaprista, vakanyorwa mazita avo pamazuva okutonga kwaDhariasi muPezhia.23Vakuru vedzimba pakati pezvizvarwa zvaRevhi kusvikira panguva yaJohanani mwanakomana waEriashibhi vakanyorwa mumabhuku enhoroondo.24Zvino vatungamiri vavaRevhi vaiva Hashabhia, Sherebhia naJeshua, mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo avo vaimira vakatarisana vachipa rumbidzo nokuvonga, uye vachiita madzoro sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari.25Matania Bhakibhukia, Dhadhia, Meshurami, Taramani, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova namatura.26Vakashumira pamazuva aJehoyakimi mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki, nomumazuva aNehemia mubati naEzira muprista nomunyori.