Mika5sna_bib

Mutongi akavimbiswa kubva kuBheterehema

1Unganidza mauto ako, iwe guta ramauto,nokuti takombwa nomuvengi.Vacharova mutongi waIsraerinetsvimbo padama.2“Asi iwe, Bheterehema Efurata,kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha,kwauri kuchandibudira mumweachava mutongi pamusoro peIsraeri,mavambo ake ndeakare kare,kubva pamazuva akare kare.”
3Naizvozvo Israeri achasiyiwakusvikira panguva iyo, iye anorwadziwa azvarauye hama dzake dzosedzadzoka kuzobatana navaIsraeri.
4Achamira agofudza boka rakemusimba raJehovha,muukuru hwezita raJehovha Mwari wake.Uye vachagara norugare,nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika.5Uye iye achava rugare rwavo.Kudzikinurwa noKuparadzwaMuAsiria paacharwisa nyika yeduagofamba achipfuura nomunhare dzedu,tichamumutsira vafudzi vanomwekuti vamurwise kunyange vatungamiri vasere vavanhu.6Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo,nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa.Achatirwira kubva kumuAsiriapaachapinda munyika yedunokupinda pamiganhu yedu.
7Vakasara vaJakobho vachavapakati pamarudzi akawanda,sedova rinobva kuna Jehovha,sokunaya kwemvura pauswa,zvisingamiriri munhukana kugaririra vanhu.8Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi,pakati poruzhinji rwamarudzi,seshumba pakati pezvikara zvesango,seshumba duku pakati pamapoka amakwai,inotsika uye inobvambura ichienda,pasina anogona kununura.9Ruoko rwenyu ruchasimudzwa mukukundauye vadzivisi venyu vose vachaparadzwa.10“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,“ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyuuye ndichapwanya ngoro dzenyu.11Ndichaparadza maguta enyika yenyuuye ndichaputsa nhare dzenyu dzose.12Ndichaparadza uroyi hwakouye hauchazovizve navavuki.13Ndichaparadza zvifananidzo zvenyuzvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu;hamuchazokotamirikubasa ramaoko enyu.14Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAsherauye ndichaparadza maguta enyu.15Ndichatsiva nokutsamwa nehashakundudzi dzisina kunditeerera.”