Mika1sna_bib

1Shoko raJehovha rakauya kuna Mika weMoresheti panguva yokutonga kwaJotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo aJudha, chiratidzo chaakaona pamusoro peSamaria neJerusarema.2Inzwai, imi marudzi avanhu, imi mose,teerera, iwe nyika navose vari mauri,kuti Ishe Jehovha achakupai mhosva,Jehovha ari mutemberi yake tsvene.

Kutongwa kweSamaria neJerusarema

3Tarirai! Jehovha ari kubuda panzvimbo yaanogara:anoburuka pasi agotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.4Makomo achanyongodeka pasi pakeuye mipata ichapamuka,senamo pamoto,semvura inoyerera pamawere.5Zvose izvi zvakaitika nokuda kwokudarika kwaJakobho,nokuda kwezvivi zveimba yaIsraeri.Kudarika kwaJakobho ndokweiko?Hakuzi Samaria here?Nzvimbo yakakwirira yaJudha ndeipiko?Haizi Jerusarema here?
6“Naizvozvo ndichaita Samaria murwi wamabwe,nzvimbo yokusima minda yemizambiringa.7Zvose zvifananidzo zvaro zvichaputswa kuita zvimedu;zvose zvipo zvaro zvomutemberi zvichapiswa nomoto;ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose.Sezvo akaunganidza zvipo zvake kubva pamibayiro yezvifeve,semibayiro yezvifeve zvichazoshandiswa zvakare.”

Kuchema noKuungudza

8Nokuda kwaizvozvo ndichachema uye ndigoungudza;ndichafamba ndisina shangu mutsoka uye ndisina kupfeka.Ndichaungudza segavauye ndichachema sezizi.9Nokuti ronda rake harirapiki;rasvika kuna Judha.Rasvika pasuo ravanhu vangu chaipo,kunyange kuJerusarema chaiko.10Musazvireva paGati;musambochema.MuBheti Ofiraumburukai muguruva.11Pfuurai muende musina kupfeka mukunyara,imi munogara muShafiri.Avo vanogara muZaananihavangabudi kunze.Bheti Ezeri riri mukuchema;kudzivirirwa kwaro kwabviswa kubva kwariri.12Avo vanogara muMaroti mukurwadziwa kukuruvakamirira kudzikinurwa,nokuti njodzi yasvika ichibva kuna Jehovha,kunyange pasuo reJerusarema.13Imi vanogara muRakishi,sungai mabhiza enyu pangoro.Ndimi makava mavambo echivikuMwanasikana weZioni,Nokuti kudarika kwaIsraerikwakawanikwa mamuri.14Naizvozvo uchapa zvipo zvokuonekedzanakuna Moresheti Gati.Guta reAkizibhi richaratidza unyengerikumadzimambo aIsraeri.15Ndichauyisa mukundikwauri iwe unogara muMaresha.Iye anova kubwinya kwaIsraeriachauya kuAdhuramu.16Veurai misoro yenyu mukuchemanokuda kwavana vamunofarira;zviitei musvuu sowegora,nokuti vachabva kwamuri vachienda kuutapwa.