Kuungudza kwaJeremia2sna_bib
1Ishe akafukidza sei Mwanasikana weZioninegore rokutsamwa kwake!Akapotsera pasi kubwinya kweIsraeri,kubva kudenga kusvika panyika;haana kurangarira chitsiko chetsoka dzakemuzuva rokutsamwa kwake.2Ishe akamedza ugaro hwose hwaJakobhoakasavanzwira tsitsi;mukutsamwa kwake akakoromorera pasinhare dzoMwanasikana weJudha.Akawisira pasi umambo hwake namachinda ahwomukunyadziswa.3Mukutsamwa kwake kunotyisa akaguranyanga dzose dzaIsraeri.Akadzosa ruoko rwake rworudyipakasvika muvengi.Akapisa muna Jakobho somurazvo womotounoparadza zvose zviri kumativi ose.4Akawembura uta hwake somuvengi;ruoko rwake rworudyi rwagadzirira.Somuvengi akauraya vose vaifadza kuona;akadurura hasha dzake semotopatende roMwanasikana weZioni.5Ishe akafanana nomuvengi;akamedza Israeri.Akamedza mizinda yake yoseuye akaparadza mhare dzake.Akawedzera kuungudza nokuchemakwoMwanasikana weJudha.6Akaparadza ugaro hwake sebindu;akaparadza nzvimbo yake yokusanganira.Jehovha akaita kuti Zioni rikanganwemitambo yaro yakatarwa namaSabata aro;mukutsamwa kwake kunotyisa,akaramba vose mambo nomuprista.7Ishe akaramba aritari yakeuye akasiya nzvimbo yake tsvene.Akaisa mumaoko omuvengimasvingo emizinda yake;vakaita ruzha mumba maJehovhasapazuva romutambo wakatarwa.8Jehovha akafunga kuparadzarusvingo rwakakomberedza Mwanasikana weZioni.Akatambanudza rwodzi rwokuyerauye haana kudzosa ruoko rwake pakuparadza.Akaita kuti mirwi namasvingo zviungudze;zvose zvakaparara pamwe chete.9Masuo aro anyura muvhu,akavhuna mazariro aro ndokuaparadza.Mambo waro namachinda aro vakaenda kuutapwa pakati pendudzi,murayiro hapachina,uye vaprofita varo havachawanizvezviratidzo zvinobva kuna Jehovha.10Vakuru voMwanasikana weZionivagere pasi vanyerere;vamwaya guruva pamisoro yavondokupfeka masaga.Vakadzi vechidiki veJerusaremavakotamisa misoro yavo pasi.11Meso angu aneta nokuchema,ndiri kurwadziwa mukati mangu,mwoyo wangu wadururirwa pasinokuti vanhu vangu vaparadzwa,nokuti vana navacheche voziyamunzira dzomuguta.12Vanoti kuna vanamai vavo,“Zvokudya newaini zviripiko?”pavanoziya somurume akuvadzwamunzira dzomuguta,panodururwa upenyu hwavo.Mumaoko avanamai vavo.13Ndingareveiko pamusoro pako?Ndingakuenzanisa neiko,iwe Mwanasikana weJerusarema?Ndingakufananidze neiko,kuti zvimwe ndikunyaradze,iwe Mhandara Mwanasikana weZioni?Vanga rako rakadzika segungwa.Ndianiko achakuporesa?14Zviratidzo zvavaprofita vakozvakanga zviri zvenhema uye zvisina maturo;havana kubudisa zvivi zvako pachenakuti vabvise kutapwa kwako,zvirevo zvavakakupazvakanga zviri zvenhema uye zvaitsausa.15Vose vanopfuura nepaurivacharova maoko vachikuseka;vanoseka uye vanodzungudza misoro yavopamusoro peMhandara yeJerusarema vachiti:“Ko, ndiro here guta rainzikukwana kworunako,mufaro wenyika yose?”16Vavengi vako vose vanoshama miromo yavopamusoro pako;vanoseka uye vanorumanya meno avovachiti, “Tarimedza.Iri ndiro zuva ratanga takamirira;takararama kuti tirione.”17Jehovha aita zvaakaronga;azadzisa shoko rake,raakatema kare.Akakukoromora asina tsitsi,akarega muvengi achifara pamusoro pako,akasimudza runyanga rwavavengi vako.18Mwoyo yavanhuinodana kuna She.Iwe rusvingo rwoMwanasikana weZioni,rega misodzi yako iyerere sorwizimasikati nousiku;usazvipa zororo,meso ako asazorora.19Simuka, danidzira usiku,panotanga varindi vousiku;durura mwoyo wako semvurapamberi paShe.Simudzira maoko ako kwaarinokuda kwoupenyu hwavana vako,vanoziya nenzarapamavambo enzira dzose.20“Tarirai, imi Jehovha, murangarire kuti:Ndiani wamakamboitira zvakadai?Ko, vakadzi vanofanira kudya vana vavo,ivo vana vavakarera here?Ko, vaprista navaprofita vangaurayirwamunzvimbo tsvene yaShe here?21“Majaya navatana vavata pamwe chetemuguruva romunzira;majaya angu navarandakadzi vanguvaurayiwa nomunondo.Makavauraya pazuva rokutsamwa kwenyu;makavabaya musina tsitsi.22“Sokukokera kwamunoita zuva romutambo,saizvozvo makandikokera kutyisa kumativi ose.Pazuva rokutsamwa kwaJehovhahakuna akapunyuka kana kurarama;vaya vandakachengeta uye ndikarera,vaparadzwa navavengi vangu.”