Jobho39sna_bib
1“Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here?Unocherechedza kana nondo dzichibereka vana vadzo here?2Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here?Unoziva nguva yadzinobereka here?3Dzinotsivama pasi dzigobereka vana vadzo;kurwadziwa kwadzo kwapera.4Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango;vanoenda uye havadzokizve.5“Ndianiko akaregedza mbizi ichienda?Ndianiko akasunungura tambo dzayo?6Ndakaipa renje kuti uve musha wayo,nyika yomunyu sougaro hwayo.7Inoseka bope riri muguta;hainzwi kudaidzira kwomuchairi.8Inoita zvikomo mafuro ayouye inotsvaka zvinhu zvose zvinenge zvakapfumvudza.9“Ko, nyati ingabvuma kukushandira here?Ko, ingagara mudanga rako usiku here?10Ko, ungagona kuifambisa mumiforo namahanisi here?Ko, ingarima mipata mushure mako here?11Ungavimba nesimba rayo guru here?Ko, ungaisiyira basa rako rinorema here?12Ungavimba nayo kuti ikutakurire zviyo zvakouye igozviunza paburiro rako here?13“Mapapiro emhou anopapama nomufaro mukuru,asi haangaenzaniswi namapapiro uye neminhenga yedambiramurove.14Zvirokwazvo inokandira mazai ayo muvhuigoarega achidziyirwa mujecha,15isina hanya kuti rutsoka rungaapwanya,kana kuti mhuka dzesango dzingaatsika.16Inobata vana vayo noukasha, kunge vasati vari vayo;haina hanya kuti yakatambudzika pasina,17nokuti Mwari haana kuisa njere mairikana kuipa mugove wepfungwa dzakanaka.18Asi kana ikatambanudza mapapiro ayo kuti imhanye,inoseka bhiza nomutasvi waro.19“Iwe unopa bhiza simba rarokana kushongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here?20Ndiwe unoita kuti rikwakuke semhashu,richivhundutsira nokupfeza, kwokuzvikudza kwaro here?21Rinoteta risingatyi, richifarira simba raro,rigobuda richienda kundorwa.22Rinoseka kutya, harina charinotya;haritizi munondo.23Goba remiseve rinorira parutivi paro,pamwe chete nepfumo nebakatwa zvinovaima.24Neshungu rinodya ivhu;harigoni kumira rakadzikamakana richinzwa kurira kwehwamanda.25Pakurira kwehwamanda rinopfeza, roti, ‘Hekani!’Rinofembedza hwema hwehondo ichiri kure,kudanidzira kwavakuru vehondo nemheremhere yehondo.26“Ko, rukodzi runobhururuka nouchenjeri hwako hereparunotambanudza mapapiro arwo rwakananga zasi?27Ko, gondo rinobhururuka nokuda kwokurayira kwako hererichindovaka dendere raro pakakwirira?28Rinogara pamawere uye rinovatapo usiku;shongwe yedombo ndiyo nhare yaro.29Riri ipapo rinotsvaka zvokudya zvaro;meso aro anozviona zvichiri kure.30Vana varo vanodya ropa,uye pane chakaurayiwa ndipo pariri.”