Jobho3sna_bib

1Shure kwaizvozvo, Jobho akashamisa muromo wake ndokutuka zuva rokuberekwa kwake.2Akati:3“Zuva rokuberekwa kwangu ngariparare,uye nousiku hwakanzi, ‘Kwaberekwa mwanakomana!’4Zuva iroro ngarishanduke rive rima;Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro;Chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro.5Rima nomumvuri wakasviba ngazviritore zvakare;gore ngarigare pamusoro paro;kusviba ngakufukidze chiedza charo.6Usiku uhwo rima guru ngaribate;ngahurege kuverengwa pakati pamazuva egorekana kunyorwa pamwedzi ipi zvayo.7Usiku uhwo ngahushaye chibereko;ngaparege kunzwika kupembera kwomufaro mahuri.8Vanotuka mazuva ngavatuke zuva iro,vaya vakagadzirira kumutsa Chikara Chikuru cheGungwa.9Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe;ngahumirire chiedza chamasikati pasinauye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza;10nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvarokuti huvanze dambudziko pamberi pangu.
11“Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu,nokufa pandaibuda mudumbu?12Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchirenamazamu kuti ndinwe?13Nokuti zvino ndingadai ndakavata murugare;ndingadai ndivete uye ndakazorora14namadzimambo namakurukota enyika,vakazvivakira nzvimbo dzava matongo zvino,15navatongi vakanga vane goridhe,vakazadza dzimba dzavo nesirivha.16Kana kuti sei ndisina kuvigwamuvhu somwana asina kusvika,somucheche asina kumboona chiedza chezuva?17Ikoko vakaipa vanorega kutambudza,uye ikoko vakaneta vakazorora.18Nhapwa dzinofarirawo rugare rwadzo;havachanzwizve kudanidzira kwomuchairi wenhapwa.19Vaduku navakuru variko,uye nhapwa yakasunungurwa kubva pana tenzi wayo.
20“Chiedza chinopirweiko vaya vari kusurukirwa,uye upenyu kune ane shungu pamwoyo,21kuna vaya vanoshuva kufa irwo rusingauyi,vanorutsvaka kupfuura pfuma yakavanzika,22vazere nomufarouye vanofara pavanosvika muguva?23Upenyu hunopirweiko munhu ane nzira yakavanzika,iye akakomberedzwa naMwari noruzhowa?24Nokuti mafemo anosvika kwandiri pachinzvimbo chezvokudya,kugomera kwangu kunodururwa semvura.25Zvandaitya zvakandivinga;zvandaizeza zvaitika kwandiri.26Handina rugare, handina runyararo;handina zororo, asi nhamo chete.”