Jeremia
47
/
sna_bib
share
Share
Chirevo pamusoro pavaFiristia
1
Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Jeremia pamusoro pavaFiristia, Faro asati arwisa Gaza:
2
Zvanzi naJehovha:
“Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro;
ivo vachava rwizi runofashukira nesimba.
Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi,
maguta navose vanogaramo.
Vanhu vachachema;
vose vanogara munyika vachaungudza
3
pavachanzwa mutsindo wemahwanda emabhiza,
kutinhira kwengoro dzavavengi,
nokurira kwemavhiri adzo.
Madzibaba haangadzoki kuzobatsira vana vavo;
maoko avo acharembera seakaremara.
4
Nokuti zuva rasvika
rokuparadza vaFiristia vose,
uye nokuuraya vose vakasara
vaigona kubatsira Tire neSidhoni.
Jehovha ava pedyo nokuparadza vaFiristia,
vaya vakasara vanobva kumahombekombe eKafitori.
5
Gaza richaveura musoro waro mukuchema;
Ashikeroni richati mwiro.
Haiwa, imi vakasara vari pabani,
muchapedza nguva yakadiiko muchizvicheka?
6
“Muchachema muchiti, ‘Maiwe, munondo waJehovha,
uchapedza nguva yakadiiko usati wazorora?
Dzokera mumuhara wako;
mira, unyarare.’
7
Asi ungazorora sei,
Jehovha akaurayira,
sezvo akaurayira
kuti urwise Ashikeroni namahombekombe?”
Powered by Seed Bible API
expand_more
Search
All books
Old Testament
New Testament
chevron_left
Previous Chapter
Books
search
Search
explore
Discover
chevron_right
Next Chapter