Isaya57sna_bib
1Vakarurama vanoparara,uye hakuna anofunga izvi mumwoyo make;vanhu vanoda Mwari vanobviswa,uye hakuna anonzwisisakuti vakarurama vanobviswakuti vanunurwe kubva pane zvakaipa.2Vose vanofamba mukururamavanopinda murugare,vanowana zororo pavanovata murufu.3“Asi imi, uyai pano, imi vanakomana vomuroyi,imi chibereko chemhombwe nezvifeve!4Muri kuseka aniko?Ndiani wamunohomerauye wamunobudisira rurimi rwenyu?Ko, hamusi chibereko chemhandu here,nechizvarwa chavanoreva nhema?5Munotsva noruchiva pakati pemitiyemuouki napasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira;munobayira vana venyu mumipatanapasi pamapazi akarembera.6Zvifananidzo zviri pakati pamatombo anotsvedzerera emipata ndiwo mugove wenyu;izvozvo, ndiwo mugove wenyu.Hongu, wakadururira chipiriso chokunwa kwazviri,uye ukapa chipiriso chezviyo.Ko, ini muchagona kundiripira zvinhu izvi here?7Wakawaridza nhoo pakakwirira napachikomo chirefu;ikoko wakakwira kundobayira zvibayiro.8Seri kwamakonhi ako nezvivivo zvakowakaisa chirangaridzo chavamwari vako.Uchindisiya ini, wakafukura mubhedha wako,wakakwira pauri ukaushamisa kwazvo;wakaita sungano naavo vane mibhedha yaunoda,uye wakatarisa kusasimira kwavo.9Wakaenda kuna Moreki namafutaomuorivhi ukawedzera zvinonhuhwira zvako.Wakatumira nhume dzako kure;wakaburukira kuguva chaiko!10Wakaneteswa nenzira dzako dzose,asi hauna kumboti, ‘Hazvina maturo.’Wakawana kuvandudzwa kwesimba rako,nokudaro hauna kuziya.11“Ndianiko wawakatya uye ukavhundukazvokuti wakazoreva nhema kwandiri,uye hauna kumbondirangarirakana kumbozvifunga izvi mumwoyo mako?Hakuzi kuti ndakaramba ndakanyararaiwe ukasanditya here?12Ndichaisa pachena kururama kwako namabasa ako,uye hazvizombokubatsiri.13Paunochemera rubatsiro,zvifananidzo zvawakaunganidza ngazvikubatsire!Mhepo ichazvikukura zvose,mweya wokungofema zvawo uchazvifuridzira kure.Asi munhu anondiita utiziro hwakeachagara nhaka yenyika,uye gomo rangu dzvene richava rake.”