Isaya21sna_bib

Chiprofita pamusoro peBhabhironi

1Chirevo pamusoro peRenje riri pedyo neGungwa:Kufanana nechamupupuri chinovhuvhuta nomunyika yezasi,mupambi anouya achibva kurenje,kubva kunyika inotyisa.
2Ndaratidzwa chiratidzo chinorwadza.Mupanduki anopanduka, muparadzi anotora zvokupambaEramu, rwisa! Medhia, vandira!Ndichagumisa kugomera kwose kwaakaita kuti kuvepo.
3Naizvozvo muviri wangu wakazara nokurwadziwa;marwadzo akandibata, kufanana nomukadzi ari kusununguka;ndiri kudzedzereka nezvandinonzwa,ndakanganisika nezvandinoona.4Mwoyo wangu woziya,kutya kwondidederesa;rubvunzavaeni rwandaishuvarwava chinyangadzo kwandiri.
5Vanogadzira matafura,vanowaridza micheka pasi,vanodya, vanonwa!Simukai, imi machinda,zodzai nhoo!6Zvanzi naIshe kwandiri:“Endai, mundogadza nharirireuye muite kuti azivise zvaanoona.7Kana achiona ngoro namapoka amabhiza,navatasvi vari pamusoro pembongorokana vatasvi vari pamusoro pengamera,ngaave akachenjera, akachenjera zvizere.”8Ipapo nharirire yakadanidzira ichiti,“Zuva nezuva, tenzi wangu, ndinomira pamusoro peshongwe yomurindi;usiku hwoga hwoga ndinogara panzvimbo yangu.9Tarirai, hoyo murume ari kuuya ari mungoroneboka ramabhiza.Uye anopa mhinduro achiti,‘Bhabhironi rawa, rawa!Zvifananidzo zvose zvavamwarivaro zvaputsirwa pasi!’ ”
10Haiwa, vanhu vangu vapwanyirwa paburiro,ndinokuudzai zvandanzwa kubva kunaJehovha Wamasimba Ose,kubva kuna Mwari waIsraeri.

Chiprofita pamusoro peEdhomu

11Chirevo pamusoro peDhuma:Mumwe anodana kwandiri ari kuSeiri, achiti,“Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?”12Nharirire inopindura ichiti,“Mambakwedza achauya, asi nousikuwo.Zvino kana uchida kubvunza, bvunza;uye ugodzokazve.”

Chiprofita pamusoro peArabhia

13Chirevo pamusoro peArabhia:Imi ngoro dzavaDhedhani,munodzika misasa mumatenhere eArabhia,14vigirai vane nyota mvura;imi munogara muTema,uyai nezvokudya zvavanotiza.15Vari kutiza munondo,kubva kumunondo wavhomorwa,nokuuta hwawemburwa,uye nokupisa kwehondo.16Zvanzi naJehovha kwandiri: “Pachinguva chegore rimwe chete, sokuverenga kungaita mushandi akabatwa nechibvumirano, kuzvikudza kwose kweKedhari kuchapera.17Varume vouta vachapunyuka, ivo mhare dzeKedhari vachava vashoma.” Jehovha, Mwari weIsraeri ataura.