Isaya15sna_bib

Chiprofita pamusoro peMoabhu

1Chirevo chaJehovha maererano neMoabhu:Ari romuMoabhu rava dongo,rakaparadzwa usiku!Kiri romuMoabhu rava dongo,rakaparadzwa usiku!2Dhibhoni rakwira kutemberi yaro,kunzvimbo dzaro dzakakwirira kundochema;Moabhu ari kuungudza pamusoro peNebho napamusoro peMedhebha.Misoro yose yaveurwandebvu dzose dzabviswa.3Munzira dzomuguta vakapfeka masaga:pamusoro pamatenga edzimbauye nomumatare, vanoungudza vose,vakazvambarara vachichema.4Heshibhoni neErieri dzinodanidzira,manzwi avo anonzwika kusvikira kuJahazi.Naizvozvo varwi veMoabhu vanodanidzira,uye mwoyo yavo yaziya.
5Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro peMoabhu;vatizi varo vanotiza kusvikira kuZoari,kusvikira kuEgirati-Sherishiya.Vanokwidza nenzira yokuRuhiti,vanofamba vachichema,munzira yokuHoronaimivanochema kuparadzwa kwavo.6Mvura yokuNimirimi yakapwauye uswa hwaoma;bumhudza raperauye hapachina chakasvibirira chakasara.7Saka pfuma yavakawana neyavakaunganidzavanoiyambutsira mhiri kworukova rwemikonachando.8Kudanidzira kwavo kwaita maungira kuchitevedza muganhu weMoabhu;kuungudza kwavo kunosvikira kuEgiraimi,kuchema kwavo kunosvikira kuBheeri Erimi.9Mvura yapaDhimoni yakazara neropa,asi ndichauyisazve zvakawanda pamusoro peDhimoni,shumba pamusoro pavatizi veMoabhuuye napamusoro pavaya vakasara munyika.