HOS12sna_bib

1Efuremu anodya mhepo;anodzingana nemhepo yokumabvazuva zuva roseuye anowedzera nhema pamwe chete nechisimba.Anoita sungano neAsiria,uye anoendesa mafuta omuorivhi kuIjipiti.2Jehovha ane mhaka yaanopa Judha;acharanga Jakobho maererano nenzira dzakeuye achamupa mubayiro maererano namabasa ake.3Muchizvaro akabata chitsitsinho chomukoma wake;somunhu akaita mutsimba naMwari.4Akaita mutsimba nomutumwa akamukurira;akachema akakumbira kuti anzwirwe nyasha naye.Akamuwana paBheteriakataura naye ipapo,5Jehovha Mwari Wamasimba Ose,Jehovha ndiro zita rake raane mukurumbira naro!6Asi unofanira kudzokera kuna Mwari wako;chengetedza rudo nokururamisira,uye umirire Mwari wako nguva dzose.7Mutengesi anoshandisa chiero chinonyengera;anofarira kubiridzira.8Efuremu anozvikudza achiti,“Ndakapfuma kwazvo; ndazova mupfumi chaiye.Noupfumi hwangu hwose havangawani mandirichakaipa chipi zvacho kana chivi mukati mangu.”
9“Ndini Jehovha Mwari wako,akakubudisa kubva muIjipiti;ndichakugarisazve mumatende,sapamazuva emitambo yakatarwa.10Ndakataura kuvaprofita,ndikavapa zviratidzo zvizhinjiuye ndikataura mifananidzo kubudikidza navo.”
11Ko, Gireadhi yakaipa here?Vanhu vayo havana maturo!Vanobayira nzombe here paGirigari?Aritari dzavo dzichava semirwi yamatombomumunda wakarimwa.12Jakobho akatizira kunyika yeAramu;Israeri akashandira kuti awane mukadzi,uye kuti amuwane akafudza makwai.13Jehovha akashandisa muprofitakuti abudise Israeri kubva muIjipiti,nomuprofita akavachengeta.14Asi Efuremu akamutsamwisa zvikuru kusvikira ashatirwa;Ishe wake achaisa paari mhosva dzake dzokudeura ropauye achamupa mubayiro wokuzvidza kwake.