Hosea11sna_bib

Rudo rwaMwari kuna Israeri

1“Israeri paakanga achiri muduku, ndaimuda,uye ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.2Asi pandakanyanya kuvadana,vakatonyanya kunditiza.Vakabayira kuna vanaBhaariuye vakapisira zvinonhuhwira kuzvifananidzo.3Ndini ndakadzidzisa Efuremu kufamba,ndichivasesedza namaoko avo;asi havana kuzvicherechedzakuti ndini ndakavarapa.4Ndakavatungamirira nerwodzi rwounyoro hwomunhu,nezvisungo zvorudo;ndakasimudza joko kubva pamutsipa wavondikakotama kuti ndivape zvokudya:
5“Havangadzokerizve kuIjipitiuye vaAsiria havangavatongi herenokuti vakaramba kutendeuka?6Minondo ichapenya mumaguta avo,ichaparadza mazariro pamasuo avouye ichagumisa zvirongwa zvavo.7Vanhu vangu vazvipira kutsauka vachibva kwandiri.Kunyange dai vakadana kuna Iye Wokumusoro-soro,haangatongovasimudziri kunyange nenzira ipi zvayo.
8“Ndinokuregedza seiko, Efuremu?Ndingakuendesa seiko, Israeri?Ndingakuitireiko saAdhima?Ndingakuenzanisa sei naZebhoimi?Mwoyo wangu washanduka mukati mangu;tsitsi dzangu dzose dzamutswa.9Handingazadzisi kutsamwa kwangu kukurukana kutendeuka kuti ndiparadze Efuremu.Nokuti ndiri Mwari, kwete munhu,Mutsvene pakati penyu.Handingauyi ndakatsamwa.10Vachatevera Jehovha;achaomba seshumba.Paachaomba,vana vake vachauya vachidedera vachibva kumadokero.11Vachauya vachidederaseshiri vachibva kuIjipiti,senjiva vachibva kuAsiria.Ndichavagarisa mudzimba dzavo,”ndizvo zvinotaura Jehovha.

Chivi chaIsraeri

12Efuremu andikomberedza nenhema,imba yaIsraeri nounyengeri.Uye Judha akasindimara pamberi paMwari,kunyange pamberi paIye Mutsvene Akatendeka.