Ezekieri19sna_bib

Kuchema pamusoro paMachinda eIsraeri

1“Chema pamusoro pamachinda eIsraeri2uti:“ ‘Mai vako vaiva shumbakadzi yakadiipakati peshumba!Yaivata pasi pakati peshumba dukuuye yairera vana vayo.3Yakarera mumwe mwana wayo,ikava shumba yakasimba.Yakadzidza kubvambura nyama,uye yaidya vanhu.4Ndudzi dzakanzwa nezvayo,dzikaibata muhunza yadzo.Vakaenda nayo nezvikokovonokunyika yeIjipiti.
5“ ‘Yakati ichiona kuti tariro yayo haina kuzadziswa,yarasikirwa nezvayakanga yakatarisira,yakatora mumwe wevana vayondokumuita shumba yakasimba.6Yakafamba ichinyahwaira pakati peshumba,nokuti yakanga yava shumba ine simba zvino.Yakadzidza kubvambura chayabatauye yaidya vanhu.7Yakakoromora nhare dzavouye ikaparadza maguta avo.Nyika navose vaivamovakavhundutswa nokuomba kwayo.8Ipapo ndudzi dzakarwisana nayo,vaya vaibva kumatunhu akapoteredza.Vakaikandira mambure,iyo ndokubatwa muhunza yavo.9Vakaipinza muchizarira nezvikokovonovakandoiisa kuna mambo weBhabhironi.Vakaiisa mutorongo,saka kuomba kwayo hakuna kuzonzwikwazvepamakomo aIsraeri.
10“ ‘Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa mumunda wako wemizambiringa,wakasimwa pane mvura;wakanga une zvibereko uye uzere namatavinokuda kwemvura zhinji.11Matavi awo akanga akasimba,akanakira kuva tsvimbo yomutongi.Wakanga wakareba kwazvopamusoro pamatavi makobvu akapfumvutira,waionekera kumusoro-soro nokuda kwourefu hwawo,uye nokuda kwamatavi awo mazhinji.12Asi wakadzurwa nehashandokukandwa pasi.Mhepo yokumabvazuva yakauomesa,ukazunzwa michero yawo;matavi awo akasimba akaoma,uye moto ukaapisa.13Zvino wakasimwa mugwenga,munyika yakaoma ine nyota.14Moto wakapambira uchibva kune rimwe davi rawo gurundokupisa michero yawo.Hapana davi rakasimba rakasara paurirakanakira kuva tsvimbo yomutongi.’Uku kuchema uye kunofanira kushandiswa pakuchema.”