Ekisodho25sna_bib
Zvipiriso zveTabhenakeri
1Jehovha akati kuna Mozisi,2“Taurira vaIsraeri kuti vandivigire chipiriso. Unofanira kugamuchira chipiriso changu kubva kumunhu upi noupi anosundwa nomwoyo wake kuti ape.3“Izvi ndizvo zvipiriso zvaunofanira kugamuchira kubva kwavari:“goridhe, sirivha, ndarira;4wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nemicheka yakaisvonaka; makushe embudzi;5matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuunga;6mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuhwira zvemafuta okuzodza anonhuhwira uye nezvimwe zvinonhuhwira;7mabwe eonikisi nezvimwe zvinokosha zvinofanira kuiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva.8“Ipapo uite kuti vaite nzvimbo yangu tsvene, uye ini ndichagara pakati pavo.9Muite tabhenakeri iyi nemidziyo yayo yose nomufananidzo wandichakuratidza.