VaEfeso5sna_bib
1Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa2uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuhwira uye sechibayiro kuna Mwari.3Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari.4Uye hapafaniri kuva nokufunga kusina maturo, kutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga.5Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari.6Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro peavo vasingateereri.7Naizvozvo musashamwaridzana navo.8Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza9(nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi)10uye muzive zvinofadza Ishe.11Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura.12Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri.13Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa,14nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi:“Muka, iwe muvati,muka kubva kuvakafa,Kristu achavhenekera pauri.”15Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera,16muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa.17Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi.18Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya.19Mutaure kuno mumwe nomumwe wenyu namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu,20muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.21Muzviise pasi pomumwe nomumwe wenyu muchitya Kristu.