Amosi2sna_bib

1Zvanzi naJehovha:“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaMoabhu,kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.Nokuti akapisa, kuita madota,mapfupa amambo weEdhomu.2Ndichatuma moto pamusoro paMoabhuuchaparadza nhare dzeKerioti.Moabhu achawira pasi mubope gurupakati pemheremhere yehondo, nokurira kwehwamanda.3Ndichaparadza mutongi wakeuye ndichauraya makurukota ake pamwe chete naye,”ndizvo zvinotaura Jehovha.4Zvanzi naJehovha:“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaJudha,kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.Nokuti vakaramba murayiro waJehovhauye havana kuchengeta mitemo yake,nokuti vakatsauswa mukurasika navamwari venhema,vamwari vakateverwa namadzitateguru avo,5ndichatuma moto pamusoro peJudha,uchaparadza nhare dzeJerusarema.”

Israeri inotongwa

6Zvanzi naJehovha:“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaIsraeri,kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.Vanotengesa vakarurama kuti vawane sirivha,navanoshayiwa kuti vawane shangu.7Vanotsika-tsika pamisoro yavarombosavanotsika paguruva,uye vanoshayisa vakadzvinyirirwa kururamisirwa.Baba nomwanakomana vanorara nomusikana mumwe chete,nokudaro vanosvibisa zita rangu dzvene.8Vanovata pasi parutivi pearitariimwe neimwe panguo dzakatorwa norubatso.Mumba yamwari wavovanonwa waini yakatorwa somuripo.
9“Ndakaparadza Amori pamberi pavo,kunyange akanga akareba somusidhariuye akasimba somuouki.Ndakaparadza zvibereko zvakekumusoro nemidzi yake pasi.
10“Ndakakubudisa kubva muIjipiti,ndikakutungamirira kwamakore makumi mana murenje,kuti ndikupe nyika yavaAmori.11Ndakamutsawo vaprofita kubva pakati pavanakomana venyu,navaNaziri kubva pakati pamajaya enyu.Ichi hachisi chokwadi here, nhai vanhu veIsraeri?”ndizvo zvinotaura Jehovha.12“Asi makaita kuti vaNaziri vanwe wainiuye mukarayira vaprofita kuti varege kuprofita.
13“Zvino ipapo ndichakupwanyaisokupwanya kunoita ngoro izere nezviyo.14Vanomhanya kwazvo havangapunyuki,vakasimba havangazovi nesimba ravo,uye murwi haangazoponesi upenyu hwake.15Anopfura nemiseve haangazoramba amire,murwi anogona kumhanya haangapunyuki,uye mutasvi webhiza haangazoponesi upenyu hwake.16Kunyange mhare dzakashingadzichatiza dzisina nguo pazuva iro,”ndizvo zvinotaura Jehovha.