1 VaTesaronika5sna_bib
1Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei,2nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku.3Vanhu pavanenge vachiti, “Rugare norunyararo,” kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki.4Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha.5Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima.6Saka zvino, ngatiregei kuita savamwe vavete, asi ngatisvinurei uye tive vanozvidzora.7Nokuti avo vanovata, vanovata usiku, uye avo vanodhakwa, vanodhakwa usiku.8Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani.9Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.10Akatifira isu kuitira kuti, kunyange takasvinura kana tivete, tigare pamwe chete naye.11Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.