1 Madzimambo4sna_bib
Machinda aSoromoni
1Saka Mambo Soromoni akanga ari mambo weIsraeri yose.2Ava ndivo vaiva machinda ake:Azaria mwanakomana waZadhoki aiva muprista;3Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo dzenyika;4Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutungamiri wamauto; Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista;5Azaria mwanakomana waNatani aiva mukuru wavatariri; Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva muprista neshamwari yamambo;6Ahishari aiva mutariri womuzinda wamambo; Adhoniramu, mwanakomana waAbhudha aiva mutariri wechibharo.7Soromoni aivawo namachinda gumi navaviri veIsraeri yose vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya. Mumwe nomumwe aifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe chete pagore.8Mazita avo aiti:
Bheni-Huri, munyika yamakomo yaEfuremu;9Bheni-Dhekeri munyika yeMakazi, Shaaribhimu, Bheti Shemeshi neEroni Bhetihanani;10Bheni-Hesedhi muArubhoti (Soko nenyika yose yeHeferi dzaiva dzake).11Bheni-Abhinadhabhi, munyika yeNafoti Dhori (aiva awana mwanasikana waSoromoni);12Bhaana, mwanakomana waAhirudhi munyika yeTaanaki, Megidho nenyika yose yeBhetisheani iyo iri parutivi peZaretani, zasi kweJezireeri, kubva kuBhetisheani kusvika kuAbherimehora mhiri kweJokomeami;13Bheni-Gebheri munyika yeRamoti Gireadhi (misha yaJairi, mwanakomana waManase munyika yeGireadhi yaiva yake, pamwe chete nedunhu reArigobhi munyika yeBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu aiva namasvingo ane masuo endarira);14Ahinadhabhi mwanakomana waIdho, munyika yeMahanaimi;15Ahimaazi, munyika yaNafutari (akanga awana Bhasemati mwanasikana waSoromoni);16Bhaana mwanakomana waHushai, munyika yaAsheri neAroti;17Jehoshafati mwanakomana waParua, munyika yaIsakari;18Shimei mwanakomana waEra, munyika yaBhenjamini;19Gebheri mwanakomana waUri, munyika yeGireadhi (nyika yaSihoni mambo wavaAmori nenyika yaOgi mambo weBhashani). Ndiye aiva mubati oga mudunhu iri.