1 Johani2sna_bib
1Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama.2Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose.3Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake.4Munhu anoti, “Ndinomuziva,” asi asingaiti zvaanorayira, iyeye murevi wenhema, uye chokwadi hachizi maari.5Asi kana munhu achiteerera shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari runokwaniswa maari. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri maari:6Ani naani anozviti anogara maari anofanira kufamba sokufamba kwakaita Jesu.7Vadikani, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi wakare, wamakanzwa kubva pakutanga. Iwoyu murayiro wekare ndiyo mharidzo yamakanzwa.8Asi ndiri kukunyorerai murayiro mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uye nomamuri, nokuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutovhenekera.9Ani naani anoti ari muchiedza asi achivenga hama yake achiri murima.10Ani naani anoda hama yake anogara muchiedza, uye maari hamuna chinhu chingamugumbusa.11Asi ani naani anovenga hama yake ndiye ari murima uye anofamba murima; haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakamupofumadza.12Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda,nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake.13Ndinokunyorerai, madzibaba,nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.Ndinokunyorerai, imi majaya,nokuti makakunda iye akaipa.Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa,nokuti makaziva Baba.14Ndinokunyorerai, madzibaba,nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.Ndinokunyorerai, imi majaya,nokuti mune simba,shoko raMwari rinogara mamuri,uye makakunda iye akaipa.