Zefania3sna_bib

Ramangwana reJerusarema

1Rine nhamo guta ravamanikidzi,rakapanduka uye rikasvibiswa!2Harina warinoteerera,harigamuchiri kudzorwa.Harivimbi naJehovha,hariswederi pedyo naMwari waro.3Machinda aro ishumba dzinoomba,vatongi varo mapere amadekwana,vasingasiyi chinhu chamangwanani.4Vaprofita vavo vanozvikudza;vanhu vanonyengera.Vaprista varo vanozvidza nzvimbo tsveneuye vanoputsa murayiro.5Jehovha ari mariri mutsvene;haaiti zvakaipa.Mangwanani oga oga anotonga nokururamisira kwake,zuva rimwe nerimwe idzva anoriuyisa,asi vasakarurama havanyari.6“Ndakaparadza ndudzi;shongwe dzavo dzakaparara.Ndakasiya nzira dzavo dzisisafambwi,hapasisina anopfuura nomo.Maguta avo akaparadzwa;hapana achasiyiwa, kana mumwe zvake.7Ndakati kuguta,‘Zvirokwazvo uchandityaugogamuchira kudzorwa!’Ipapo vagari varo havangaparadzwi,kana kuranga kwangu kwose hakungauyi pariri.Asi vakanga vachine shungudzokuita uori pakuita kwavo kwose.8Naizvozvo ndimirirei,” ndizvo zvinotaura Jehovha,“zuva randichasimuka kuti ndigopupura.Ndafunga kuunganidza ndudzi,kuunganidza ushe hwoseuye nokudurura hasha dzangu pavari,kutsamwa kukuru kwangu kwose.Nyika yose ichaparadzwanomoto wegodo rokutsamwa kwangu.
9“Ipapo ndichachenesa miromo yavanhu,kuti vose zvavo vadane kuzita raJehovhauye vamushumire nomwoyo mumwe.10Kubva mhiri kwenzizi dzeEtiopia vanamati vangu,vanhu vangu vakapararira,vachandiunzira zvipiriso.11Pazuva iro hamungaiswi pakunyadziswanokuda kwezvakaipa zvamakandiitira,nokuti ndichabvisa kubvamuguta rino vaya vanofara mukuzvikudza kwavo.Hamungazovizve namanyawipagomo rangu dzvene.12Asi ndichasiya pakati penyuvanyoro vanozvininipisa,vanovimba nezita raJehovha.13Vakasara vaIsraeri havangaiti zvakaipa;havangarevi nhema,uye kunyengera hakuzowanikwi mumiromo yavo.Vachadya uye vagorara pasi,uye hapana angavatyisa.”
14Imba, iwe Mwanasikana weZioni,danidzira, iwe Israeri!Fara ugofarisisa nomwoyo wako wose,iwe Mwanasikana weJerusarema!15Jehovha abvisa kurangwa kwako kwose,adzinga muvengi wako. Jehovha,Mambo waIsraeri, anewe;hauzotyizve kuti ungakuvadzwa nechinhu chipi zvacho.16Pazuva iro vachati kuJerusarema,“Usatya, iwe Zioni;usarega maoko ako achishayiwa simba.17Jehovha Mwari wako anewe,ndiye ane simba rokuponesa.Achafadzwa zvikuru newe,achakunyaradza norudo rwake,achafara nokuda kwako nokuimba.”
18“Matambudziko emitamboyakatarwa ndichaabvisa kwauri;iwo mutoro nokuzvidzwa kwauri.19Panguva iyoyo ndichatongavose vakakumanikidza;ndichanunura vakaremarauye ndichaunganidza vaya vakaparadzirwa.Ndichavapa rumbidzo norukudzomunyika dzose dzavakaiswa pakunyadziswa.20Panguva iyoyo ndichakuunganidzai;panguva iyoyo ndichakuuyisai kumusha.Ndichakupai rukudzo nerumbidzopakati pavanhu vose vapanyika,pandichadzora pfuma yenyumuchizviona nameso enyu,”ndizvo zvinotaura Jehovha.