Rwiyo Rukuru rwaSoromoni8sna_bib

1Dai chete wakanga uri sehanzvadzi kwandiri,akanwa pamazamu amai vangu!Ipapo kana ndaikuwana panze,ndaikutsvodauye hapana aizondishora.2Ndaizokutora ndouya newekumba kwamai vangu,ivo vakandidzidzisa.Ndaikupa waini yakaiswa zvinonhuhwira kuti unwe,nomukume wemitamba yangu.3Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu,uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.4Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai:Musazunguza kana kumutsa rudokusvikira irwo rwada rwoga.5Ndianiko uyo ari kuuya achibva kurenjeakazendamira pamudiwa wake?MukadziPasi pomuti womuapuro ndakakumutsa;ipapo mai vako vakakubereka,ipapo ivo vairwadziwa vakakubereka.6Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso,sechisimbiso paruoko rwako;nokuti rudo rwakasimba sorufu,godo rarwo seguva harishanduki.Runopisa serimi romoto,somurazvo mukuru kwazvo.7Mvura zhinji haigoni kudzima rudo;nzizi hadzigoni kurukukura.Kunyange munhu akapapfuma yose yemba yake kuti awane rudo,zvingazvidzwa chose.8Tine hanzvadzi yedu dukuuye mazamu ake haasati akura.Tichaitireiko hanzvadzi yedupazuva rokukumbirwa kwayo kuti iwanikwe?9Kana ari rusvingo,tichavaka shongwe dzesirivha paari.Kana ari musuo,tichamukomberedza namapuranga omusidhari.10Ndiri rusvingo,mazamu angu akaita seshongwe.Ndizvo zvandava pamberi pake,somunhu anouyisa kugutsikana.11Soromoni aiva nomunda wemizambiringa muBhaari Hamoni;akapa munda wake wemizambiringa kuvanhu vairima vachimuripira.Mumwe nomumwe wavo pachibereko chawoaiuya namashekeri chiuru esirivha.12Asi munda wangu wemizambiringa ndewangu kuti ndiupe;chiuru chamashekeri esirivha ndechako, iwe Soromoni,asi mazana maviri ndeevanochengeta michero yawo.13Iwe unogara mumapinduunoshandirwa neshamwari,rega ndinzwe inzwi rako!14Handei mudiwa wangu,uite semhara kana setsvanapamusoro pamakomoazere zvinonhuhwira.