Rwiyo Rukuru rwaSoromoni5sna_bib

1Ndauya zvangu mubindu rangu, hanzvadzi yangu, iwe mwenga wangu;ndaunganidza mura yangu pamwe chete nezvinonhuhwira zvangu.Ndadya zinga rangu rouchi nouchi hwangu;ndanwa waini yangu nomukaka wangu.ShamwariIdyai, imi shamwari, uye munwe;inwai mugute, imi vanodanana.2Ndakavata asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura.Inzwai! Mudiwa wangu ari kugogodza, achiti,“Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu,njiva yangu, wangu asina chinongo.Musoro wangu wanyorova nedova,bvudzi rangu ranyoroveswa nounyoro hweusiku.”3Ndabvisa nguo yangu,ndoipfekazve here?Ndashambidza tsoka dzangu,ndodzisvibisazve here?4Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake nepahwangwadza yomukova;mwoyo wangu wakatanga kumudokwairira.5Ndakasimuka kuti ndizarurire mudiwa wangu,maoko angu akadonha mura,mimwe yangu ichiyerera mura,pazvibato zvechizarira.6Ndakazarurira mudiwa wangu,asi mudiwa wangu akanga abva; akanga atoenda.Mwoyo wangu wakarwadziwa nokuenda kwake.Ndakamutsvaka asi handina kumuwana.Ndakamudana asi haana kupindura.7Varindi vakandionapavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta.Vakandirova, vakandikuvadza;vakanditorera jasi rangu,ivavo varindi vamasvingo!8Imi vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai,kana mukaona mudiwa wangu,muchamuudzeiko?Mumuudze kuti ndinorwara nerudo.9Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii,iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi?Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii,zvaunotirayira kudaro?10Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku,anokunda vanokwana zviuru gumi.11Musoro wake igoridhe chairo;bvudzi rake rinoyevedzauye rakasviba segunguo.12Meso ake akafanana nenjivadziri pahova dzemvura,dzakashambidzwa mumukaka,akarongwa sezvishongo.13Matama ake akaita semihomba yezvinonhuhwirainobereka zvinonhuhwira.Miromo yake yakaita samaruva amahapaanodonha mura.14Maoko ake itsvimbo dzegoridhedzakaiswa mabwe anokosha ekrisorite.Muviri wake wakaita senyanga dzenzou dzinobwinyadzakashongedzwa nesafire.15Makumbo ake imbiru dzamabwe machenaakamiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa.Chimiro chake chakaita seRebhanoni,chakanakisisa semisidhari yayo.16Muromo wake inhapitapi pachayo;zvirokwazvo akaisvonaka.Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye shamwari yangu,imi vanasikana veJerusarema.