Rwiyo Rukuru rwaSoromoni4sna_bib

1Wakanaka sei, mudiwa wangu!A, wakazonaka!Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo.Bvudzi rako rakaita sedanga rembudziriri kuburuka kubva muGomo reGireadhi.2Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa,ari kubva kundoshambidzwa.Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro,pasina rimwe riri roga zvaro.3Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku;muromo wako wakaisvonaka.Zvavovo zvako zviri mumumbure wakozvakaita sezvikamu zviviri zvedamba.4Mutsipa wako wakafanana neshongwe yaDhavhidhiyakavakwa zvinoyevedza.Mairi makaturikwa nhoo dzine chiuru,dzose dziri nhoo dzemhare.5Mazamu ako ari maviri akafanana netsvana mbiri dzemhara,mapatya emharadzinofura pamwe chete pakati pemaruva.6Kusvikira zuva rabudauye mimvuri yotiza,ndichaenda kugomo remuranokuchikomo chezvinonhuhwira.7Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu;mauri hamuna kana chinongo.
8Ngatibvei tose kuRebhanoni, iwe mwenga wangu,ngatibvei tose kuRebhanoni.Buruka kubva pamusoro-soro peAmana,kubva pamusoro peSeniri,pamusoro-soro peHerimoni,kubva kumapako eshumba nokumakomo anofamba-famba mbada.9Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu;wanditora mwoyonokungondiringa kwawaita kamwe chete,uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako.10Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu!Rudo rwako runofadza sei kukunda waini,uye kunhuhwira kwamafuta ako okuzorakunokunda zvose zvinonhuhwira.11Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu;uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako.Kunhuhwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni.12Uri bindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu.Uri tsime rakakomberedzwa, nechitubu chakavakirirwa.13Miti yako ibindu ramatambanemimwe michero yakaisvonaka,hena nenaridhi,14naridhi nesafuroni,karamusi, nesinamoni,nemiti yose inogadziriswa zvinonhuhwiranemura negavakava,uye nezvose zvinonhuhwira zvakanakisisa.15Uri chitubu chomubindu,tsime remvura inoerera,inoerera ichibva kuRebhanoni.16Muka, iwe mhepo yokumusoro,uye uya iwe mhepo yezasi!Vhuvhuta napabindu rangukuti kunhuhwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose.Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake,agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira.