Rwiyo Rukuru rwaSoromoni3sna_bib

1Usiku hwose ndiri pamubhedha wangundakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu;ndakamutsvaka asi handina kumuwana.2Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta,mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro;ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu.Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana.3Varindi vakandionapavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta.“Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?”4Ndichingopfuudzana navondakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu.Ndakamubata ndikasamuregedzakusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu,kuimba yaavo vakandibereka.5Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirainemhara kana nenondo dzesango kuti:Musazunguza kana kumutsa rudokusvikira irwo rwada rwoga.6Ndianiko uyo ari kuuya achibva nokurenjeseshongwe youtsiine munhuwi wemura, nezvimwe zvinonhuhwirazvakagadzirwa nezvikuyiwa zvinonhuhwira zvavashambadzi?7Tarirai! Ndiyo ngoro yaSoromoni,yakachengetedzwa nemhare makumi matanhatu dzamachinda,apamusoro-soro omuIsraeri.8Mumwe nomumwe wavo akabata munondovose vakarwa hondo,mumwe nomumwe ane munondo parutivi rwake,vakagadzirira kutarisana nezvinotyisa usiku.9Mambo Soromoni akazvigadzirira ngoro;akaigadzira nemiti yokuRebhanoni.10Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha,pokuzembera musana pakagadzirwa negoridhe.Pokugara pakashongedzwa nejira repepuru,mukati mayo makashongedzwa norudonavanasikana veJerusarema.11Budai imi vanasikana veZioni,muzoona Mambo Soromoni akapfeka korona,korona yaakapfekedzwa namai vakemusi wesvitsa,zuva iro mwoyo wake wakafara.