Rwiyo Rukuru rwaSoromoni1sna_bib

1Rwiyo Rukuru rwaSoromoni:2Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake.Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini.3Kunhuhwirira kwamafuta enyu kunofadza;zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa.Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai!4Nditorei muende neni, ngatikurumidzei.Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati.ShamwariTinokupembererai uye tinokufarirai;ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini.MukadziRegai zvenyu mhandara dzikudei!
5Kusviba ndakasviba zvangu, asi ndakanaka hangu,vanasikana veJerusarema,ndakasviba samatende eKedhari,sezvidzitiro zvetende raSoromoni.6Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu,nokuti ndakasvibiswa nezuva.Vanakomana vamai vangu vakanditsamwiravakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa;munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva.7Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai akonokwaunozorodzera makwai ako masikati.Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chakepedyo namakwai eshamwari dzako?8Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe,chitevera makwara amakwaiugondofudzira mbudzana dzakopedyo namatende avafudzi.9Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwapane imwe yengoro dzaFaro.10Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete,mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha.11Tichakugadzirira mhetedzenzeve dzegoridhe nesirivha.12Mambo paakanga agere patafura yake,munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira.13Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemurakanogara pakati pamazamu angu.14Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machenaanobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi.15Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu!A-a, wakazonaka!Meso ako injiva chaidzo!16Wakanaka sei, mudiwa wangu!A-a, unofadza!Uye mubhedha wedu wakasvibira.17Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari;mbariro dzacho ndedzomupaini.