MAPISAREMA98sna_bib

Pisarema.

1Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa;ruoko rwake rworudyi nechanza chakechitsvene zvakamukundisa.2Jehovha akazivisa ruponeso rwakeuye akaratidza kururama kwake kundudzi,3Akarangarira rudo rwakenokutendeka kwake kuimba yaIsraeri;migumo yose yenyika yakaonaruponeso rwaMwari wedu.
4Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose,imbai nziyo mupembere nomufaro;5imbirai Jehovha nembira,nembira nenzwi rokuimba,6nehwamanda nokurira kworunyanga rwegondobwe,danidzirai nomufaro pamberi paJehovha, iye Mambo.
7Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri,nenyika, navose vanogaramo.8Nzizi ngadziuchire maoko adzo,makomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro;9ngaaimbe pamberi paJehovha,nokuti anouya kuzotonga nyika.Achatonga nyika zvakaruramanavanhu nokururamisira.