MAPISAREMA93sna_bib

1Jehovha anobata ushe, akashongedzwa noumambo;Jehovha akashongedzwa noumambo uye akafukidzwa nesimba.Nyika yakateyiwa zvakasimba; haingazungunuswi.2Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare;imi muripo nokusingaperi.
3Haiwa Jehovha, makungwa akasimudza,makungwa akasimudza manzwi awo;makungwa akasimudza mafungu anotinhira.4Mukuru kukunda kutinhira wemvura zhinji,mukuru kukunda mafungu egungwa,Jehovha ari kumusoro ndiye mukuru.
5Zvamakatema hazvishanduki;utsvene hunofukidza imba yenyu imi Jehovha,kwamazuva asingaperi.