MAPISAREMA9sna_bib
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro o“Kufa kwoMwanakomana.” Pisarema raDhavhidhi.
1Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose;ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose.2Ndichafara nokufarisisa mamuri;ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.3Vavengi vangu vanodzokera shure;vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu.4Nokuti makatsigira kodzero yangu nenyaya yangu;makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo.5Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa;makadzima zita ravo nokusingaperi.6Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi,makadzura maguta avo;kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara.7Jehovha anotonga nokusingaperi;akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.8Achatonga nyika nokururama;achatonga marudzi nokururamisira.9Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa,nhare yakasimba panguva yokutambudzika.10Vanoziva zita renyu vachavimba nemi,nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.11Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza,iye agere pachigaro choushe muZioni; paridzai zvaakaita pakati pendudzi.12Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira;haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa.13Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei!Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu,14kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyumumasuo oMwanasikana weZioni,uye ndigofara muruponeso rwenyu.15Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera;tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga.16Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake;vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo. Higayoni. Sera17Vakaipa vanodzokera kuguva,idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari.18Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa,uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.19Simukai, Jehovha, munhu ngaarege kukunda;ndudzi ngadzitongwe pamberi penyu.20Varovei nokutyisa, imi Jehovha;ndudzi ngadzizive kuti vanongova vanhu zvavo. Sera