MAPISAREMA87sna_bib
Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo.
1Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;2Jehovha anoda masuo eZionikupfuura pose panogara Jakobho.3Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako,iwe guta raMwari: Sera4“Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironipakati pavanondiziva,neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia,uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’ ”5Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati,“Uyu nowoyo vakaberekerwamo,uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”6Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi,kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera7Pavanoimba, vachaimba vachiti,“Matsime angu ose ari mamuri.”