MAPISAREMA82sna_bib

Pisarema raAsafi.

1Mwari anogara paungano huru;anotonga pakati pa“vamwari” achiti,
2“Muchasvika riniko muchirwira vasakaruramauye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera3Tongai mhaka dzavasina simba nenherera;chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.4Nunurai vasina simba navanoshayiwa;varwirei paruoko rwowakaipa.
5“Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa.Vanongofamba-famba murima;nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.
6“Ndakati, ‘Muri vamwari;imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’7Asi muchafa savanhuwo zvavo;muchawa savatongi vose.”
8Simukai, imi Mwari, mutonge nyika,nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.