MAPISAREMA64sna_bib
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
1Ndinzweiwo, imi Mwari, pandinotaura chichemo changu;dzivirirai upenyu hwangu pakutyisidzira kwavavengi.2Ndivanzei pakurangana kwavakaipa,ndibve pazhowezhowe yeungano yavaiti vezvakaipa.3Vanorodza ndimi dzavo seminondo,uye vanonanga namashoko avo semiseve inouraya.4Vanopfura vari pakavanda munhu asina mhosva;vanomupfura pakarepo, vasingatyi.5Vanokurudzira mumwe nomumwe wavo pakufunga zvakaipa,vanotaura pamusoro pokuteya misungo yavo, uye vanoti,“Ndianiko achaiona?”6Vanorangana kusaruramisira vachiti,“Tafunga zano rakakwana!”Zvirokwazvo mwoyo nomurangariro womunhu zvinonyengera.7Asi Mwari achavapfura nemiseve;pakarepo vachawira pasi.8Achaita kuti ndimi dzavo dzivashandukire,uye achavaisa pakuparadzwa;vose vanovaona vachavadzungudzira misoro vachivaseka.9Marudzi ose avanhu achatya;achaparidza mabasa aMwari,uye achafungisisa zvaakaita.10Vakarurama ngavafare muna Jehovhauye vavande maari;vose vakarurama mumwoyo ngavamurumbidze!