MAPISAREMA62sna_bib

Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.

1Mweya wangu unozorora muna Mwari oga;ruponeso rwangu runobva kwaari.2Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu;ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi.
3Muchasvika kupiko muchingorova munhu?Ko, imi mose muchamukanda pasi here,iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa?4Vanofunga kwazvo zvokumuwisirapasi kubva panzvimbo yake yakakwirira;vanofarira nhema.Vanoropafadza nemiromo yavo,Asi vachituka mumwoyo yavo. Sera
5Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga;tariro yangu inobva kwaari.6Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu;ndiye nhare yangu, handingazungunuswi.7Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari;ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu.8Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu;dururai mwoyo yenyu kwaari,nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera
9Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo,asi vanokudzwa inhema bedzi;kana vakayerwa havaremi, havasi chinhu;vose pamwe chete vanongova mweya.10Regai kuvimba noupambikana kuzvikudza nezvinhu zvokuba;kunyange pfuma yenyu ichiwanda,regai kuisa mwoyo yenyu pairi.
11Chinhu chimwe chakataurwa naMwari,zvinhu zviviri zvandakanzwa:Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba,12uye kuti imi, iyemi Ishe, mune rudo.Zvirokwazvo muchapa mubayiro kumunhu mumwe nomumwemaererano nezvaakaita.