MAPISAREMA54sna_bib

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. VaZefati pavakaenda kuna Sauro kundoti, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pakati pedu here?”

1Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu;ndiruramisirei nesimba renyu.2Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari;teererai kumashoko omuromo wangu.
3Vatorwa vanondirwisa;vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu,vanhu vasingazivi Mwari. Sera
4Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu;ishe ndiye anonditsigira.
5Zvakaipa ngazvimonere pane avo vanondireva;muvaparadze pakutendeka kwenyu.
6Ndichakubayirai chipiriso chokungopa;ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha,nokuti rakanaka.7Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose,uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.