MAPISAREMA53sna_bib

Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo eMaharati. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi.

1Benzi rinoti mumwoyo maro,“Mwari hakuna.”Vakaora, uye nzira dzavo dzakaipa;hakuna anoita zvakanaka.
2Mwari anotarira ari kudenga,pavanakomana vavanhu,kuti aone kana aripo anonzwisisa,kana aripo anotsvaka Mwari.3Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure,vakava vakaora pamwe chete;hakuna anoita zvakanaka,kunyange nomumwe.
4Ko, vaiti vezvakaipa havangadzidzi here,vaya vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa,uye vasingadani kuna Mwari?5Havo, vakazadzwa nokutya,ipo pasina chavangatya.Mwari akaparadzira mapfupa avanhu vaikurwisa;makavanyadzisa, nokuti Mwari akavazvidza.
6Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwabuda kubva muZioni;Mwari paachadzosera nhaka yavanhu vake;Jakobho ngaafarisise uye Israeri ngaafarisise!