MAPISAREMA52sna_bib

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. Dhoegi muEdhomu paakanga aenda kuna Sauro akamuudza kuti: “Dhavhidhi aenda kumba kwaAhimereki.”

1Ko, unozvikudzirei pane zvakaipa, iwe murume wesimba?Unozvikudzirei zuva rose,iyewe unonyadzisa pamberi paMwari?2Rurimi rwako runofarira zvokuparadza;rwakaita sechisvo chakarodzwa,iyewe unogara uchingonyengera.3Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka,kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi. Sera4Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza,iwe rurimi runonyengera!
5Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi:Achakubvuta agokubvisa mutende rako;achakudzura kubva munyika yavapenyu. Sera6Vakarurama vachazviona uye vachatya;vachamuseka vachiti,7“Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake,asi aivimba nepfuma yake zhinji,uye aisimba nokuparadza vamwe!”
8Asi ini ndakaita somutiwomuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari;ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari,nokusingaperi-peri.9Ndichakurumbidzai, nokusingaperi nokuda kwezvamakaita;ndichavimba nezita renyu, nokuti zita renyu rakanaka.Ndichakurumbidzai pamberi pavatsvene venyu.