MAPISAREMA48sna_bib
Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora.
1Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo,muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.2Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose.Sokumusoro-soro kweZafoni,ndizvo zvakaita Gomo reZioni,guta raMambo Mukuru.3Mwari ari munhare dzaro;akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro.4Madzimambo akati abatanidza mauto,vakati vafamba pamwe chete kundorwa,5vakariona vakashamiswa;vakatiza nokutya.6Vakabatwa nokudedera ipapo,nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka.7Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi,zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva.8Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona,muguta raJehovha Wamasimba Ose,muguta raMwari wedu:Mwari anorisimbisa nokusingaperi. Sera9Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari,tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.10Sezvakaita zita renyu, imi Mwari,kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika;ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.11Gomo reZioni rinofarisisa,misha yeJudha inofaranokuda kwokutonga kwenyu.12Famba-fambai muZioni, ripoteredzei,verengai shongwe dzaro,13fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro,cherechedzai nhare dzaro,kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera.14Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri;iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.