MAPISAREMA45sna_bib
Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri nomuimbirwo wa“Maruva aMahapa.” Rwiyo rwoMuchato.
1Mwoyo wangu unobvongodzwa nedingindira rakanaka,pandinodetembera mambo ndima dzangu;rurimi rwangu chinyoreso chomunyori anogona.2Imi makanakisisa pavanhu voseuye miromo yenyu yakazadzwa nenyasha,sezvo Mwari akakuropafadzai nokusingaperi.3Sungai munondo wenyu parutivi, imi wamasimba,zvishongedzei nokubwinya noumambo.4Paumambo hwenyu kwirai mukunde kwazvo,makamirira chokwadi, kuzvininipisa nokururama;ruoko rwenyu rworudyi ngaruratidze mabasa enyu anotyisa.5Miseve yenyu inopinza ngaibaye mwoyo yavavengi vamambo;ndudzi ngadziputsikire pasi petsoka dzenyu.6Chigaro chenyu, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri;tsvimbo yokururamisira ichava tsvimbo youmambo hwenyu.7Imi munoda kururama uye munovenga zvakaipa;naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyunokukuzodzai namafuta omufaro.8Nguo dzenyu dzose dzinonhuwirira mura, arosi nekasia,zvinobva kumizinda yamadzimambo yakashongedzwa nenyanga dzenzou,kurira kwehungiso kunokufadzai.9Vanasikana vamadzimambo vari pakati pavakadzi vanokudzwa;kuruoko rwenyu rworudyi kuno mwenga akashongedzwa negoridhe reOfiri.10Teerera, iwe mwanasikana, rangarira,uye urereke nzeve yako: Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako.11Mambo ayevedzwa norunako rwako;mukudze, nokuti ndiye Ishe wako.12Mwanasikana weTire achauya nechipo,vanhu vakapfuma vachatsvaka nyasha kwauri.13Mwanasikana wamambo akanaka kwazvo mukati meimba yake; nguo yake yakarukirirwa negoridhe.14Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo;shamwari dzake idzo mhandara dzinomuteverauye vanouyiswa kwamuri.15Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa;vanopinda mumuzinda wamambo.16Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu;muchavaita machinda munyika yose.17Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kuzvizvarwa zvose;naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.