MAPISAREMA42sna_bib

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaVanakomana vaKora.

1Senondo inodokwairira hova dzemvura,saizvozvo mweya wangu unodokwairirai, imi Mwari.2Mweya wangu une nyota kuna Mwari, nyota yaMwari mupenyu.Ndingaenda riniko kundosangana naMwari?3Misodzi yangu yanga iri zvokudya zvangumasikati nousiku,asi zuva rose vanhu vanoti kwandiri,“Mwari wako aripiko?”4Ndinorangarira zvinhu izvipandinodurura mweya wangu,mafambiro andaiita navazhinjindichitungamirira mudungwe wavanhu kuimba yaMwari,nokupembera nomufaro uye nokuvongapakati pavazhinji pamutambo.
5Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?Unotambudzwa neiko mukati mangu?Isa tariro yako muna Mwari,nokuti ndichamurumbidzazve,Muponesi wangu naMwari wangu.
6Mweya wangu wakaneta mukati mangu;naizvozvo ndichakurangariraindiri kunyika yeJorodhani,pamatunhu akakwirira eHeremoni, kubva paGomo reMizari.7Pakadzika panodana pakadzikamukutinhira kwamapopopo emvura;mafungu enyu ose namafashamuakapfuura napamusoro pangu.
8Masikati, Jehovha anorayira rudo rwake,pausiku rwiyo rwake runeni,munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.
9Ndinoti kuna Mwari Dombo rangu,“Mandikanganwireiko?Ndinofambireiko ndichichemandakadzvinyirirwa nomuvengi?”10Mapfupa angu atambura nokurwadza kworufu,sezvo vavengi vangu vachindizvidzazuva rose vachiti kwandiri,“Mwari wako aripiko?”
11Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?Unotambudzwa neiko mukati mangu?Isa tariro yako muna Mwari,nokuti ndichamurumbidzazve.Muponesi wangu naMwari wangu.