MAPISAREMA38sna_bib
Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro.
1Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kanakundiranga muhasha dzenyu.2Nokuti miseve yenyu yandibaya,uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu.3Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu;mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu.4Mhosva yangu yandiremerasomutoro unorema kwazvo kuutakura.5Maronda angu aora uye anosemesanokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu.6Ndakotamiswa uye ndaderedzwa kwazvo;ndinofamba ndichichema zuva rose.7Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza;muviri wangu hauchina utano.8Ndarukutika uye ndapwanyika chose;ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo.9Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu,kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri.10Hana yangu inorova, simba rangu rapera;kunyange nechiedza chabva pameso angu.11Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu;vavakidzani vangu vanogara kure neni.12Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo,avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu;zuva rose vanorangana zvounyengeri.13Ini ndafanana nematsi, isinganzwi,sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo;14ndava somunhu asinganzwi,ano muromo usingapinduri.15Haiwa Jehovha, ndakakumirirai;muchapindura, imi Ishe Mwari wangu.16Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangukana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.”17Nokuti ndava pedyo nokuwa,uye kurwadziwa kwangu kunogara neni.18Ndinoreurura chivi changu;chivi changu chinonditambudza.19Vavengi vangu vane simba vazhinji;vanondivenga ndisina mhosva vakawanda.20Ivavo vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa,vanondireva pandinotevera zvakanaka.21Haiwa Jehovha, regai kundisiya;regai kuva kure neni, imi Mwari wangu.22Haiwa Ishe Muponesi wangu,kurumidzai kuuya kuzondibatsira.