MAPISAREMA34sna_bib

Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake.

1Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose;kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.2Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha;vanotambudzika ngavanzwe vafare.3Kudzai Jehovha pamwe chete neni;ngatikudzei zita rake pamwe chete.
4Ndakachema kuna Jehovha akandipindura;akandisunungura pakutya kwangu kwose.5Vanotarira kwaari vanopenya;zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.6Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa;akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.7Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya,uye anovasunungura.
8Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka;akaropafadzwa munhu anovanda maari.9Ityai Jehovha, imi vatsvene vake,nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.10Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara,asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.
11Uyai, vana vangu, nditeererei;ndichakudzidzisai kutya Jehovha.12Ani naani wenyu anoda upenyu,uye uchida kuona mazuva akawanda,13dzora rurimi rwako pane zvakaipanemiromo yako pakureva nhema.14Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka;tsvaka rugare uye urutevere.
15Meso aJehovha ari pamusoro pavakaruramauye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo;16chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa,kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika.
17Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa;anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.18Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsikauye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.
19Akarurama angava namatambudziko mazhinji,asi Jehovha anomurwira paari ose;20anochengetedza mapfupa ake ose,hakuna nerimwe rawo richavhunika.
21Zvakaipa zvichauraya vakaipa;vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.22Jehovha anodzikinura varanda vake;hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.