MAPISAREMA32sna_bib

Pisarema raDhavhidhi neMasikiri.

1Akaropafadzwa uyoakakanganwirwa kudarika kwake,akafukidzirwa zvivi zvake.2Akaropafadzwa munhuasingaverengerwi zvivi zvake naJehovha,uye asina kunyengera mumwoyo make.
3Pandakanyarara,mapfupa angu akarukutika nokudakwokugomera kwangu zuva rose.4Nokuti masikati nousikuruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu;simba rangu rakasvetwasezvinoita kupisa kwechirimo. Sera
5Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuriuye handina kuvanza chakaipa changu.Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,”uye makandiregerera mhosva yechivi changu. Sera
6Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamurimuchiri kuwanikwa;zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira,haingasviki kwavari.7Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda;muchandidzivirira panhamouye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko. Sera
8Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo;ndichakupa zano uye ndichakurinda.9Rega kuva sebhiza kana senyurusi,zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwanomukaro kana namatomu,kana kuti hazvingauyi kwauri.10Wakaipa ana matambudziko mazhinji,asi rudo rusingaperi rwaJehovharunopoteredza munhu anovimba naye.
11Farai muna Jehovha uye mufarisise, imi vakarurama;imbai, imi mose makarurama pamwoyo!