MAPISAREMA31sna_bib
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
1Ndinovanda mamuri, imi Jehovha;itai kuti ndisatombonyadziswa;ndirwirei mukururama kwenyu.2Rerekerai nzeve yenyu kwandiri,kurumidzai kundinunura;ivai dombo rangu rokuvanda,nhare yakasimba inondiponesa.3Sezvo murimi dombo rangu nenhare yangu,nditungamirirei uye mundisesedze nokuda kwezita renyu.4Ndisunungurei pamusungo wandakadzikirwa,nokuti imi muri utiziro hwangu.5Ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu;ndidzikinurei, imi Jehovha, Mwari wechokwadi.6Ndinovenga vanonamatira kuzvifananidzo zvisina maturo;ndinovimba naJehovha.7Ndichafara nokufarisisa murudo rwenyu,nokuti makaona kutambudzika kwangumukaziva kurwadziwa kwomwoyo wangu.8Hamuna kundiisa kumuvengi,asi makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.9Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni nokuti ndine nhamo;meso angu aneta nokuchema,mwoyo wangu nomuviri wangu zvarwadziwa.10Upenyu hwangu hwopera nokurwadziwa,uye namakore angu nokugomera;simba rangu rapera nokuda kwokutambudzika kwangu,uye mapfupa angu arukutika.11Nokuda kwavavengi vangu,ndava chinhu chinovengwa navavakidzani vangu;ndava chinhu chinotyisa kushamwari dzangu;vanondiona munzira dzomumisha vanonditiza.12Ndakanganwikwa navo sendakafa;ndafanana nehari yakaputsika,13nokuti ndinonzwa guhwa ravazhinji;kumativi ose kune zvinotyisa;vanorangana pamusoro panguuye vanoronga kundiuraya.14Asi ndinovimba nemi, imi Jehovha;ndinoti, “Ndimi Mwari wangu.”15Nguva dzangu dziri mumaoko enyu;ndirwirei kuvavengi vangunokuna avo vanonditeverera.16Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu;ndiponesei norudo rwenyu rusingaperi.17Haiwa Jehovha, itai kuti ndisanyadziswa,nokuti ndakadana kwamuri;asi vakaipa ngavanyadzisweuye vavate vakati mwiro muguva.18Miromo yavo inoreva nhema ngainyaradzwe,nokuti vanotaura namanyawinokuzvikudza pamusoro pavakarurama.19Haiwa, kunaka kwenyu kukuru sei,kwamakachengetera vaya vanokutyai,kwamunoisa pamberi pavanhu,pamusoro paivo vanovanda mamuri.20Mukudzivirira kwokuvapo kwenyu munovavanzakubva parangano dzavanhu;munovachengeta zvakanaka pamunogarakubva pandimi dzinopomera.21Jehovha ngaarumbidzwe,nokuti akaratidza rudo rwake runoshamisakwandiri pandakanga ndiri muguta rakakombwa.22Mukuvhunduka kwangu, ndakati,“Ndabviswa pamberi penyu!”Asi makanzwa kuchemera nyasha kwangupandakadanidzira kwamuri ndichida rubatsiro.23Idai Jehovha, imi vatsvene mose!Jehovha anochengetedza vakatendeka,asi anotsiva zvizere vanozvikudza.24Simbai uye mutsunge mwoyo,imi mose munorindira Jehovha.