MAPISAREMA3sna_bib
Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake.
1Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei!Vakawanda sei vanondimukira!2Vazhinji vanoti kwandiri,“Mwari haangamudzikinuri.” Sera3Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza;munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.4Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru,uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera5Ndinovata pasi ndigokotsira;ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.6Handizotyi makumi ezviuruvakandikomba kuti vandirwise.7Simukai, imi Jehovha!Ndirwirei, imi Mwari wangu!Rovai vavengi vangu vose pashaya;gurai meno avakaipa.8Rusununguko runobva kuna Jehovha.Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera