MAPISAREMA29sna_bib
Pisarema raDhavhidhi.
1Ipai kuna Jehovha, imi mune simbaipai kuna Jehovha rukudzo nesimba.2Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake;namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.3Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji.Mwari wokubwinya anotinhira,Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji.4Inzwi raJehovha rine simba;inzwi raJehovha rinokudzwa.5Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari,Jehovha anovhuna-vhuna misidhari yeRebhanoni.6Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru,neSirioni senzombe yenyati.7Inzwi raJehovha rinorovanokuvaima kwemheni.8Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga;Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi.9Inzwi raJehovha rinomonyorora mioukiuye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e.Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!”10Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura;Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi.11Jehovha anopa simba kuvanhu vake;Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.