MAPISAREMA28sna_bib
Pisarema raDhavhidhi.
1Ndinodana kwamuri, imi Jehovha Dombo rangu;musandinyararira.Nokuti kana mukaramba munyerere,ini ndichaita savaya vakaburukira kugomba.2Inzwai kuchemera ngoni kwangu,sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri,sezvo ndichisimudza maoko angundakatarira kuNzvimbo yenyu Tsvene-tsvene.3Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa,naavo vanoita zvakaipa,vanotaura rugare navavakidzani vavoasi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo.4Vatsivei pamabasa avonapabasa ravo rakaipa,vatsivei pane zvakaitwa namaoko avo;mugodzosera pamusoro pavo zvakavafanira.5Sezvo vasina hanya namabasa aJehovhauye nezvakaitwa namaoko ake,achavaputsira pasiakasavavakazve.6Jehovha ngaarumbidzwe,nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni.7Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu;mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa.Mwoyo wangu unokwakuka nomufarouye ndichamuvonga nenziyo.8Jehovha ndiye simba ravanhu vake,nhare yoruponeso yomuzodziwa wake.9Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu;ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi.