MAPISAREMA27sna_bib
Pisarema raDhavhidhi.
1Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu,ndichagotya aniko?Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu,ndianiko wandingatya?2Vanhu vakaipa pavakauya kwandirikuzodya nyama yangu,vavengi navadzivisi vangu pavanondirwisa,vanogumburwa ndokuwa.3Kunyange hondo ikandikomba,mwoyo wangu haungazotyi;kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa,ipapo ndichavimba naJehovha.4Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha,ndicho chandinotsvaka:kuti ndigare mumba maJehovhamazuva ose oupenyu hwangu,kuti nditarire kunaka kwaJehovhauye ndimutsvake mutemberi yake.5Nokuti zuva rokutambudzikaachandichengeta zvakanaka munzvimbo yaanogara;achandiviga mudumba retabhenakeri yake,agondikwidza pamusoro pedombo.6Ipapo musoro wangu uchasimudzirwapamusoro pavavengi vakandipoteredza;ndichamubayira zvibayiro patabhenakeri yake nomufaro mukuru;ndichaimba ndigoimbira Jehovha nziyo.7Inzwai inzwi rangu kana ndichidana, imi Jehovha;ndinzwirei ngoni mugondipindura.8Mwoyo wangu unoti kwandiri, “Tsvaka chiso chake!”Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.9Regai kundivanzira chiso chenyu,musadzinga muranda wenyu mukutsamwa;makanga muri mubatsiri wangu.Regai kundiramba kana kundisiya,imi Mwari Muponesi wangu.10Kunyange baba vangu namai vangu vakandisiya,Jehovha achandigamuchira.11Ndidzidzisei nzira yenyu, imi Jehovha;ndisesedzei munzira yakaruramanokuda kwavamanikidzi vangu.12Regai kundisundira kuzvido zvavavengi vangu,nokuti zvapupu zvenhema zvinondimukira,vachifemedzeka nehasha.13Ndichine chokwadi neizvi zvokuti:ndichaona kunaka kwaJehovhamunyika yavapenyu.14Rindira Jehovha;iva nesimba,utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.