MAPISAREMA23sna_bib
Pisarema raDhavhidhi.
1Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.2Anondivatisa pamafuro manyoro,anondisesedza pamvura inozorodza,3anoponesa mweya wangu.Anondifambisa panzira dzokururamanokuda kwezita rake.4Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu,handingatyi zvakaipa,nokuti imi muneni;tsvimbo yenyu nomudonzvowenyu zvinondinyaradza.5Munondigadzirira tafurapamberi pavavengi vangu.Munozodza musoro wangu namafuta;mukombe wangu unopfachukira.6Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera,mazuva ose oupenyu hwangu,uye ndichagara mumba maJehovhanokusingaperi.